Deuteronomy 10

Mahwendefa akafanana neokutanga

1Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti. 2Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.”

3Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuunga uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita seokutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu. 4Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, pazuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri. 5Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.

6(VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista. 7Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura. 8Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi. 9Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)

10Zvino ini ndakanga ndagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei. 11Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.”

Itya Jehovha

12Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, 13uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?

14Denga, kunyange nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako. 15Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, imi zvizvarwa zvavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi. 16Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare. 17Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro. 18Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka. 19Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti. 20Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake. 21Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zviya zvamakaona nameso enyu. 22Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu akaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga.

Copyright information for SnaBDSC